Jekeso

Vaviri vanofa nekubayiwa nebanga kuCrossroads

Vaviri vanofa nekubayiwa nebanga kuCrossroads
Banga rerudzi rweColombia

Vagari veku Silobela havasi kufara nemhirizhonga yokurwisana nemapanga uko kuitika nguva zhinji panzvimbo yemabhizimusi ye Crossroads.

Izvi zvinotevera kufa kwevakomana vaviri avo vakafa mushure mekubayiwa nebanga panzvimbo yemabhizimusi ye Crossroads munzvimbo yaIshe Malisa.

Musi wa 29 Ndira 2022 nenguva dzepakati peusiku vana nyakupomerwa avo vaive nebanga vakave nokupokana naBlessed Sibanda,Hillary Maphosa naNqaba Ndlovu nokuda kwenyaya yomusikana izvo zvakazoita kuti vatange kurwisana.

Nyakapomerwa akabudisa banga rwerudzi rweColumbia akabaya vatatu ava ,avo vakazomhanyiswa kuchipatara cheKwekwe District Hospital uko Blessed Sibanda naHillary Maphosa vakazvikonzi vashaya.Ndlovu ndiye ari kurapwa ronda rakadzika pachipfuva.

Vana nyakupomerwa vose vakasungwa. Vabareki munzvimbo iyi vari kunyunyuta nokuda kwekurwisana kuri kuita vechidiki uko kuno nyanyo pesvedzerwa nekunwa nekuputa zvinodhaka.

‘’vechidiki munzvimbo ino Havana zvokuita kunze kwekuswera vachidzembereka nemadziro ezvitoro nemabhawa vachimwa zvinodhaka.’’

‘’Zvave kutotyisa zvikuru uye zvoda kuti mapurisa vasimbise kupota vachionekera zvakare nokuita zvirongwa zvokudzidzisa veruzhinji maererano nekugarisana murunyararo’’ akadaro muzvare Martha Chikomba wekuSilobela.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau