Jekeso

Zvemapungwe bodo mukupera kwegore

Zvemapungwe bodo mukupera kwegore
Ass Comm Nyathi

Mapurisa eZRP vazivisa kuti mapungwe haasi kuzotendedzwa sezvo kuri kutyora murau weCovid-19 uyo usingatendedzi kufamba kana kuita magungano usiku.

Izvi zvinotevera tsika inosiyitwa nevemakereke kana vamwewo wezvimwe zvitendero vanoita mapungwe vachipemberera gore idzva.

Pari zvino nyika iri paLevel 2 Covid-19 Lockdown kubva na2100hrs kusvika na 0600hrs inguva dzisingatendedzwi vanhu kufamba famba.

Vemamwe masvondo vange vachishambadzira kuti vaizoita mapungwwe vachipemberera gore idzva.

Zvisinei mapurisa vaiti ivo uku kunenge kuri kutyora mutemo,uye vayambira kuti vachange vachisunga vose vanotyora mutemo.

‘’vanhu vave kuziva nguva dzisingatendedzwi kubva na2100hrs kusvika na1800hrs zvichireva kuti hapana kuungana kunotenderwa kudarika 2100hrs .

Mapurisa vachange vachitarisisa kuti murau uyu watevedzwa ,uye vachage vachisunga vose vanoutyora.Hakuna mapungwe ,kana magungano usiku ,kana minamato panguva dzousiku gore rino ‘’ vakadaro Ass Comm Paul Nyathi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau