Mutevedzeri wemutungamiri wenyika zvakare vari gurukota rezvoutano General Retired Dr Constantino Chiwenga vakati ivo Covid-19 Omicron yavemo munyika nokudaro voruzhinji vachenjerere uye vagare vakazvidzivirira.
Vakataura mashoko aya pagungano rekupamibayiro yeFederation of Young Farmers Club muguta reHarare.VaChiwenga vakakurudzira kuti vanhu vabayiwe nhomba yokudzivirira chirwere cheCovid-19 uye nokutevedzera nzira dzose nzira dzose dzokuti chirwere ichi chisatapukire.
‘’takaita ongororo zvikataridza kuti utachiona uhu hwave munyika.Ngati cherechedzeyi tose nzira dzokudzivirira chirwere ichi’’
Utachiona hweCovid-19 Omicron hwakatanga kuonekwa munyika yeSouth Africa mukupera kwemwedzi waMbudzi 2021, uye dzimwe nyika dzokunze dzakatora matanho ekumisa vashanyi kuenda kunyika iyi nedzimwe dzakakomberedza kusanganisira Zimbabwe.





Mhinduro (0)