Jekeso

Hurumende inonyevera nezveimwe mhando yeCovid-19

Hurumende inonyevera nezveimwe mhando yeCovid-19

Gurukota rezveutano munyika vaC.G.D.N Chiwenga vanyora mashoko ekuzivisa maererano neimwe mhando yeCovid-19 inonzi B.1.1.529 iyo yakatanga kuonekwa munyika yeSouth Africa musi wa24 Mbudzi 2021.

Mumashoko avo vati chiri kuzivikanwa pamhando iyi ndechokuiti inekusanduka kwakanyanya kupinda mhando yeDelta.

Pari zvino vana mazvikokota vachiri kuongorora zvakadzama ,uyewo mashoko achazoziviswa veruzhinji kana tsvakiridzo iyi ichinge yapera.

Bazi rezvoutano riri kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba zvakare kuti varambe vachipfeka mamask nedzimwe nzira dzose dzinoderedza kutapukira kwechirwere ichi.

VaChiwenga vasimbisa kuti nyika yakagadzirira chose kurwisana nedenda iri uye pane nhanho dziripo pamiganhu yenyika dzokuongorora chirwere ichi.

Veruzhinji vakurudzirwa kuti vasave nokutya sezvo paine matanho akasimba ekurwisana nemhando ipi zvayo yeCovid-19.

Pari zvino pane nyika shanu dzine vanhu vakabatwa mhando iyi ,dzinoti South Africa ,Botswana,HongKong,Israel neBelgium.

Nokuda kweizvi dzimwe nyika dzokumadokero dzirikuronga kumbomisa vashanyi kenda kana kubva kunyika yeSouth Africa senzira yokuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Hapana zvizhinji zvati zvabuditswa pachena nokuda kweB.1.1.529 asi pane kurudziro yokuti vanhu vanofanira kubayiwa nhomba kudzivirira denda iri.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau