Gurukota rinoona nezvekushandiswa kwemari yenyika vaMthuli Ncube nhasi vatura mashandisirwo anotarisirwa kuitwa mari mugore ra2022 iyo inosvika ZWL$927.3 billion.
VaMthuli vati ivo mugore ra2022 vari kutarisira kuti nyaya dzezvoupfumi dzinge dzichisimukira nezvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana (5.5%) zvichitsigirwa nezvikamu zvemigodhi,zvezvigadzirwa,zvokurima,zvokuvaka pamwe chete nechokushanyirwa kwenyika.
Asi vatiwo nyaya yematenda ndidzo dzinogona kuve njodzi inovhiringa nyaya dzebudiriro yezve upfumi.
Vatiwo kushaya simba kwemari yemuno kwakamboti dzikameyi muchikamu chikuru chegore rino ,asi musikamutema ndiwo uri kukonzeresa matambudziko makukutu mukugadzikana kwemari yemuno.
Zvimwe zvabuda mukutura bhajeti ravo zvinosanganisira kuti : Mari yemutero weTax hayichabatwi kutangira pa ZWL$10 000 kusvikira paZWL$25 000 kutanga wamusi wa 1 Ndira 2022.
Mari yebhonasi nayo kutangira paZWL$25 000 kusvikira paZWL$100 000 ichange isingabate mutero uyu kubvura musi wa 1 Mbudzi gore rino.





Mhinduro (0)