Jekeso

VaKhaya Moyo vaitwa gamba renyika

VaKhaya Moyo vaitwa gamba renyika
simon Khaya Moyo

VaSimon Khaya Moyo avo vakashaya nezuro vaitwa gamba renyika.

Munyori mukuru mune zvokufambiswa kwemabasa mubato reZanu Pf va Orbert Mpofu vazivisa pavange vari kumba kwemushakabvu kuHillside muguta reBulawayo, kuti bato reZanu Pf ratenderana vaKhaya Moyo vaitwe gamba renyika zvichienderana nebasa guru ravakabata kusunungura Zimbabwe.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau