Gore rino hurumende yavimbisa kutambirisa vashandi vayo bhonasi nemari yekuAmerika.
Mari iyi ichange isingadariki madhora mazana manonwe (USD 700)pamunhu mumwe uye vari pamudya ndigere vachawaniswa madhora zana (USD100) uye nemamwe madhora makumi masere (USD80)yevadikani vavo pamusoro.
Munyori mukuru mubazi reFinance and Economic Development vaGeorge Guvamatanga vakati ivo
‘’Ichokwadi kuti tiri kubhadhara bhonasi nemari yekuAmerica.Izvi zvakaitwa nemutungamiri wenyika kuvashandi vehurumende nevari pamudyandigere.’’
Mari yebhonasi iyi iri kutarisirwa kutambirwa kupera kwemwedzi waMbudzi.
Asi sangano re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe ARTUZ iro rinomirira varairidzi vekumaruwa rinoti iro rinogamuchira danho rakatorwa nehurumende rokuvatambirisa bhonasi nemari yekunze , asi vari kuda kuti mari yavo yavanotambira pamwedzi inge yakaenzana nemari yavaimbotambira muna gumiguru mugore ra2018.
Vamwe vashandi vehurumende vanoti vanozogamuchira mashoko aya kana vachinge vabata mari yacho mumaoko avo.
'totenda maruva tadya chakata regai timbomirira tione '
Hurumende yavaMnangagwa inoti iri kushingairira kuvandudza upenyu nemashandiro evashandi vayo kunyange hazvo paine matambudziko anosanganisira kushaya simba kwemari yemuno tichienzanisa nemari yekunze.





Mhinduro (0)