Kumbunyikidzwa kwepabonde kuvanhukadzi nevasikana koyeredza matanda munzvimbo dzokushandira zhinji munyika.
Vanhukadzi voshushikana nokushaikwa kwezvisungo zvino manikidzira makambani kuti ave nenzira dzakajeka dzokurwisana nokumbunyikidzwa kwepabonde kumabasa.
Muongororo yakaitwa nepepanhau reJekeso mudunhu reMidlands ,kune nyaya zhiji dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwevanhukadzi zvikuru nevakuru vavanoshandira kana kuti vane zvinzvimbo zvepamusoro.
Nyaya zhinji idzi dzinongoperera mumhepo kusina kwadzino mhan’arwa nokuda kwekuti vazhinji vanenge vachityira kurasikirwa nebasa ,uye kuti nyaya ikazozivikanwa neveruzhinji zvinozovabvisa chimiro.
Kumabasa hakuna nzira dzokumhan’ara nadzo nyaya dzakadai.Vanhukadzi vanoshanda muzvitoro nemakambani mazhinji muguta vanoti ivo pamabasa pavo hapana nzira dzokumhan’ara nadzo nyaya dzorudzi urwu, sezvo kazhinji kacho vakuru ndivo vanenge vachiita mabasa aya.
‘’ Ini ndakasiya basa mushure mokunge mukuru wepabasa ada kundi mbunyikidza kurara neni pabonde ,kunyange hazvo ndiri mudzimai akaroorwa.’’
‘’Chandaiziva ndechokuti itsika yake yokuda kurara nevashandi zvisinei kuti iye mudzimai wake anopota achizoshandawo pabasa ipapo’’ akadaro mudzimai asina kudomwa zita.
Nokuda kwekushaikwa kwemabasa nhubu idzi hadzisi kusiya mabasa adzo ,uye dzinonanavira kunyange vanasikana vanouya kuzodzidzira mabasa vachibva kuma koreji nemaunivhesiti.
'Chimwe chino konzeresa kudaro ndechokuti vanhukadzi vashoma vane zvinzvimbo zvepamusoro mumakambani mazhinji,nokudaro vamwe vanhurume vanotora kukana uyu',akadaro Mary Matare umwe wevanorwira kodzero dzevanhukadzi muguta reKwekwe.
Hurumende inofanira kuisa zvisungo zvinomanikidzira makambani ose kuti ave nenzira dzakajeka dzokumhan’ara nadzo kumbunyikidzwa nokumanikidzirwa kuenda pabonde kwevanhukadzi kumabasa.





Mhinduro (0)