Jekeso

Hurumende iri kugutsikana nematanho ekudzivirira Covid-19 aripo.

Hurumende iri kugutsikana nematanho ekudzivirira Covid-19 aripo.
Gurukota rokufambiswa kwemashoko Senator Monica Mutsvangwa

Hurumende yawedzera zvakare Covid-19 Lockdown level 2 nemamwe masvondo maviri.Izvi zvinouyawo paine zvitaridziro kuti huwandu hwevari kubatwa kana kufa nedenda iri huri kuderera.

Vachitaura nevatori venhau gurukota rezvekufambiswa kwevashoko nekutepfenyura Senator Monica Mutsvangwa vanoti kuderera uku mucherechedzo wenhanho dzezveutano hweruzhinji dziri kutevedzwa.

‘’izvi zvinotaridza kuti nhanho dzakaiswa kudzivirira voruzhinji dziri kushanda kudzivirira kutapukira kwechirwere ichi.Nokudaro lockdown level 2 inopamhidzirwa nemamwe masvondo maviri nevakabata chigaro chomutungamiri wenyika Rtd C.G.D.N Chiwenga’’ vataura kudaro

Pari zvino vanhu chikamu chinosvika makumi matatu nevasere (38%) kubva muzana chevanofanira kubayiwa ,vakabayiwa nhomba.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya nhomba vechidiki vane makore ari pakati pegumi nematanhatu ne gumi nemanomwe (16 – 17yrs).

Pasi pedanho re Level 2 lockdown voruzhinji havatenderwi kufamba famba kubva panguva dza 2200hrs kusvikira na0530am mangwanani.Vemabhizimusi vanotangisa basa na0800am kusvikira na1900hrs.

Voruzhinji havatenderwi kuita gungano rinodarika vanhu zana.Nzira dzokuzvichengetedza dzinofanira kuramba dzichicherechedzwa.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau