Munyika yeUnited Kingdom rwendo rwuno ndimo muri kuitirwa musangano wechimakumi maviri nenhanhatu (26th) weUnited Nations Climate Change Conference of the Parties (COP26) uyo wakatanga musi wa 31 Gumiguru uchizoguma musi wa12 Mbudzi 2021.
Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa navo vakakokwa kuti vange vari pamusangano wakakosha uyu mushure memakore nyika yeZimbabwe isingapinde.
Musangano uyu unounza mapoka ose pamwe chete kuzadzikisa zvibodzwa zvezvi bvumirano zveParis Agreement nezve UN framework Conventionon Climate change.
Nyanzvi dzesainzi dzinobvumirana kuti chinonyanyo konzera kukasira kushanduka kwemwaka ndeimwe mweya iri kuiswa mumhepo inobva pazvinhu zvinoitwa nevanhu.Mweya iyi inoramba iri muchadenga yoita segumbeze rinorambidza madziya kubva panyika izvo zvinokonzera kuwedzera kupisa kwekunze munyika dzapasi rose.
Kushanduka kwekunze kunokonzera kuwedzera kwenjodzi dzakaipisisa dzakaita sekunaya kwemvura ine hasha dzakanyanya,chimvura mabwe,mipande,kupisa kwekunze nemafashamu emvura.





Mhinduro (0)