Sangano renhabvu reConfederation of African Football rambomisa kushandiswa kwenhandare yeNational Sports Stadium kutambirwa mitambo yepamusoro kusvikira zvinoda kuti zvigadziriswe zvavepo.
Kusarongeka zvakakwana uye kukundikana kutevedza kurudziro yesangano iri kwaita kuti nhandare iyi isa chatambirwa mitambo mikuru nedzimwe nyika kana zvikwata kubva kune dzimwe nyika.
Imwe yedzimwe mhosho inosanganisira zvigaro zviri munhandare iyi izvo zvinoda kuvandudzwa uye nedzimwe nzvimbo dziri munhandare ,izvo zvinofanira kunge zviri padanho rinotarisirwa neCAF.
Mutambo wekupedzisira uchatambirwa munhandare iyi uriko muna Mbudzi pamutambo uri pakati peZimbabwe ne Ethiopia we 2022 World Cup Qualifier.





Mhinduro (0)