Vamwe vagari vekuTorwood kuRedcliff voti vave kurara vagere nokuda kwetsikidzi dzarura mudzimba dzavo. Vari kukumbira kuti dai kanzuru yavabatsira nemushonga wekufirita.
Vanogara kudzimba dzinozivikanwa kuti ‘kumidhadhadha ‘nekuda kwemavakirwo adzo ayo akaita kudhadhadha kuma B , vanoti tsikidzi idzi dzavaonesa pfumvu. Dzimba idzi dzakavakirwa vashandi veZisco makore eku 1952 dzave kutaridzira kusakara kwadzo nekuda kwemitswi ino onekera.
‘’taona moto netsikidzi,kwave kungogara hedu nekuti dzimba dzave kunetsa ,asi tave kudya kwetsikidzi’’
‘’Kuwanda kwadzo mucherechedzo kuti nzvimbo yedu haichina kushambidzika zvakanaka.’’vakadaro amai Ruth Sithole.
Nokuda kwekuti dzimba idzi dzakabata zvinogozha kuti mhuri imwe ipedze dambudziko reTsikidzi kana vamwe vari pedyo vasina kutorawo nhanho yokupedza tsikidzi idzi
‘’Kubatana kwedzimba dzedu koita kuti zvigozhe kuti kana iwe ukafirita nhasi ,muvakidzani wako asina ,mushure memazuva mashoma tsikidzi dziya dzinenge dzadzoka’’
Vamwe vanoroja mudzimba idzi vonyunyuta kuti varidzi vedzimba idzi ndivo vari kuvaregerera sezvo vachikundikana kugadzirisa kunyange hazvo vachivadhadharisa mari USD 15 pamupanda mumwe chete.
‘’maLandlord edu vari kuti bhadharisa mari yakawanda kwazvo kana takatarisa mamiriro akaita dzimba dzavo.Vanoda mari yekuAmerica kunyangwe tsikidzi dzakati tii mudzimba dzavo.’’
‘’Dzimwe dzimba hadzina mikova uye mahwindo mamwe akaputsika.’’akadaro mudzimai akazviti anonzi amai Langton
Mayor weRedcliff VaMasiyatsva vakati ivo havazivi nezve nyaya iyi
‘‘Handisi kuziva nezvazvo ,asi kana pane vane dambudziko iri ngavaende kumahofisi eHealth department kuitira kuti vago firitirwa dzimba dzavo’’ vakadaro.
Tsikidzi kambuyu katsvuku kanogara pamadziro emba kana pamubhedha.Tsikidzi dzinorarama nekumwa ropa.Vamwe vanoti tsikidzi dzinopararira zvikuru panzvimbo yakawandiwa zvikuru uye dzinofarira kugara panzvimbo dzinodziya.
Kupedza dambudziko reTsikidzi kushandisa mishonga yekuSprayer kana dzimwe nzvira dzechinyakare dzafanana noku wacha machira nemvura inopisa kana kuburitsa mibhedha yoiswa pazuva.
Nekuda kwekupararira nyore kuri kuita zvirwere mazuva ano zvakakosha kuti makanzuru vavandudze nzira dzokudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nekuvaka dzimba dzakanyonyo kubatana.Dzimba dzemidhadhadha dzinofanirwa kupatsanurwa kuchivakwa dzimba dzakazvimirira.
Mune imwewo nyaya vagari vekuMbizo section 5 muKwekwe pedyo nekwa Msimbe vari kuti vashungurudzwa nemakonzo.
‘‘Kakonzo arura kuno anogudubudza ndiro nemapoto usiku hose’’
‘‘kunyange ukatenga mishonga yokumauraya asi haasi kupera’’ vakadaro amai Marufu.
‘‘Tave kutyira kuti makonzo aya anogona kuzotitapurira zvirwere’’vakadaro.
Kune dzimwe nzvimbo mumadhorobha makuru zvirwere zvemanyoka zvinobata vanhu vazhinji nekuda kweku manikidzana nemavakirwo anoita dzimba dzavo.
Makore atave kurarama nhasi uno panofanira kuti pave nemisiyano nemakore akare apo vanhu vazhinji vaifa nekuda kwezvirwere zvekutapurirana.





Mhinduro (0)