Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakawedzera mazuva eCovid-19 Level 2 lockdown nemasvondo maviri.
Mazuva aya anotutsira pane ayo akaziviswa musi wa 7 Gunyana 2021,munyori mukuru mubazi rekufambiswa kwemashoko vaNick Mangwana vakazivisa kudaro padandemutande reTwitter.
Huwandu wevanhu vari kunobayiwa nhomba huri kuramba huchikwirira munyika apo vanhu vanosvika mamirioni maviri vakapedza kubayiwa nhomba.
Chirwere ichi chakauraya vanhu zviuru zvina nemazana mashanu nemakumi manomwe nevatanhatu (4 576) munyika.





Mhinduro (0)