Basa rokuvandudza mugwagwa mukuru unobatanidza guta reKwekwe nemusha unogara veruzhinji weMbizo ratangisa.
Basa iri ririkuitwa sechirongwa chehurumende chokugadzirisa migwagwa chiri kuitwa munyika yose.
Mugwagwa uyu wakakosha zvikuru sezvo uri iwo unoshandiswa nevanhu vazhinji kubva mumusha mukuru weMbizo vachipinda mudhorobha reKwekwe. Vagari vari kutarisira kuti basa richabatwa zvine unyanzvi ,sezvo makore ose mugwagwa uyu uchigara wakagadziriswa.
‘’Tinofara kuona mugwagwa mukuru uyu ichigadzirwa nokuti ndiwo watinoshandisa nguva dzose dzatinopinda muguta.’’
‘’Isu vane dzimotokari duku tange totambura nokuda kwekusaenzana kwemugwagwa uyu,izvowo zvaigona kuzokonzeresa njodzi’’ vakadaro vaNorman Taruvinga mugari wemuKwekwe.
Nguva yokunaya kwemvura mugwagwa uyu unowanzonjenga mvura izvo zvinoita kuti uve nemakomba uye kusagadzikana.
‘’Mugwagwa uyu unoda kuti ugadzirwe zvokuti mvura isanjenge,ukwanise kunge uchirasa mvura kumativi’’ akadaro mumwe mugari asina kuda kudomwa zita rake.
Mumwe wemugwagwa uri kugadziriswa ndi Railway Avenue unobatanidza musha weMbizo nemugwagwa we Mvuma.
Mugwagwa uyu wange wanyangara zvikuru zvisinei kuti ndiwo unobatanidza musha mukuru nechipatara chikuru cheKwekwe General Hospital.
Vazhinji vari kupembedza danho rokugadziriswa kwemigwagwa senzira unoudza budiriro ,uye zvichita kuti kutakurwa kwezvinhu nezvigadzirwa kuve nyore zvakare nemitengo yakaderera.
Asi vamwe vanotiwo kugadziriswa kwemigwagwa inzira yokutsvaga nayo rutsigiro musarudzo dzave muberevere dza2023.
‘’Zvirongwa zvebudiriro hazvifaniri kuti zvisanganiswe nenyaya dzematongerwo enyika ,sezvo zvichifanira kupfuudzirwa mberi mazuva ose.Tsika yokumirira sarudzo chete inodzosera budiriro kumashure’’ akadaro muzvare Rosemary Sibanda mugari wekuMbizo.
Zvirongwa zvebudiriro zvinofambidzana nzvematongerwo enyika.
‘’Hakuna zvirongwa zvebudiriro zvinozvimirira zvoga pasina zvematongerwo enyika.Hurumende imwe neimwe ine zvirongwa zvayo zvainoda kuzadzikisa nokudaro zviviri izvi mapatya.’’ Vakadaro vaGoodluck Moyo mugari wemukwekwe.





Mhinduro (0)