Jekeso

Makore maviri vaMugabe vashaya

Makore maviri vaMugabe vashaya
Robert Gabriel Mugabe muna 1979

Ave makore maviri mushure mokunge vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Gabriel Mugabe vashaya.

VaMugabe vakashaika musi wa06 Gunyanya 2019 muchipatara che Gleneagles kuSingapore mushure mukurwara nechirwere chegomarara kwenguva refu.

Vainge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu (95).

Nhoroondo yemabasa avo inotambanuka kubva kumakore ekuma1930 kusvikira pavakashaya.

VaMugabe vaizivikanwa zvikuru nenyaya yokumirira kodzero dzevanhu vatema muAfrica nenyika dzichiri kubudirira pasi rose.Vakange vachitsoropodza hudzvinyiriri mune zveupfumi hunoitwa nenyika dzakabudirira uye dzine masimba.

Zimbabwe ndeimwe yenyika nhasi pasi pehutungamiri hwavo yakagovera vanhu vayo ivhu ,iro rakange rine vachena vashoma.

Hurumende yavo kunyange yakatongerwa zvirango zveupfumi yakakwanisa kusimbisa zvirongwa zvokuti vanhu vazviitire basa avo pane kuti vangova vashandi.

Hutungamiri hwavaMugabe hunoyemurwa nevazhinji pasi rose ,uye vanoonekwa seumwe vevatungamiri vashoma vakamira kuti dunhu reAfrica nehupenyu hwevanhu vatema husumukire.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau