Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dzinofungidzira kuti mwaka wemvura wa2021/22 uchange vakanaka chose.
Mvura iyo inotarisirwa kutanga kuturuka muchikamu chekutanga muna Gumiguru kusvika Zvita ichange yakaringana kana kuti darikeyi yagara inotarisirwa mwaka yose.
Chikamu chechipiri chinotanga muna Mbudzi kusvika Ndira mvura inotarisirwa kunge yakawanda zvikuru nyika yose zvayo.
Muchikamu chokupedzisira icho chinobva muna Zvita kusvika muna Kurume mvura inotarisirwa kunge yakaringa ,asi nzvimbo dziri nechekuchamhembe nedzimwewo dzokumaodzanyemba mvura inotarisirwa kunge yakati wandei.
Nokudaro varimi vanokurudzirwa kuti vaite gadziriro yakakwana kuitira kuti mbesa dzavo dzigofambirana nemwaka wemvura.
Uyewo pane kurudziro yokuti mabasa ekukohwa mvura ange achivandudzwa kuitira kuti nyika igokwanisa kuvanduka mumabasa emadiridziro nezvimwe zvirongwa zvinoshandisa mvura.
Hurumende yeZimbabwe ine zvirongwa zvekuvaka nokugadziridza madhamu kuitira kuti nyika igare ine mvura yakakwanira nguva yose uye kusimbaradza mabasa emadiridziro





Mhinduro (0)