Guta reKwekwe rave naMayor mutsva zvichitevera kudzingwa kwavaimbovepo,/p>
Future Titora anomirira ward 2 ndiye akasarudzwa kuve Mayor pamwe chete nemutevedzeri wake Pikurai Msipha anomirira Ward 3 musarudzo dzakaitwa zuro 19 Nyamavhuvhu 2021
Titora uyo akawana mavhoti matanhatu akakunda Charles Juta wekuWard 7 uyo akaita mavhotsi mana.
izvi zvinotevera tsamba yakanyorerwa mabharani mukuru weguta reKwekwe muzvare Lucia Mkandhla musi wa 5 Nyamavhuvhu 2021 negurukota rekutongwa kwematunhu nemabasa evoruzhinji vaJuly Moyo, kuti bato reMDC-T rakadzinga nhengo dzinoti Clr Kasipo Angeline Ward 10,Clr Chingarande Melody ward 5 na Clr Moyo Washington Ward 5.





Mhinduro (0)