Bato reMDC-T rakadzinga Mayor weguta reKwekwe pamwe neanga achango sarudzwa kuve mutevedzeri .
Mutsamba yakanyorerwa mabharani mukuru weguta reKwekwe muzvare Lucia Mkandhla musi wa 5 Nyamavhuvhu 2021 negurukota rekutongwa kwematunhu nemabasa evoruzhinji vaJuly Moyo, vakazivisa kuti bato reMDC-T rakadzinga nhengo dzinoti Clr Kasipo Angeline Ward 10,Clr Chingarande Melody ward 5 na Clr Moyo Washington Ward 5.
Izvi zvinoreva kuti zvimbo dzavo hadzisina vamiriri. Clr Melody Chingarande vakange vasarudzwa kuti vatsive chinzvimbo chaDeputy Mayor, zvichitevera kushaya kwavaShadreck Tobaiwa mwedzi wapera.
Dzimwe nhengo dzemasangano anomirira madzimai vanoti chiitiko ichi chinodzorera pasi kusimukira kwemadzimai muzvigaro zvepamusoro.
‘’Ini ndiri nhengo yemasangano anomirira kusimudzirwa kwemadzimai ,handisi kufara nemuitikiro wezvinhu ,zvikuru zviri kuitwa neMDC-T.’’
‘’Takafara tikapemberera pakasarudzwa muzvare Clr Melody Chingarande kuve Deputy Mayor,izvi zvaireva kuti guta reKwekwe ndiro raizove rekutanga kuve nehutungamiri hwemadzimai huri pamusoro,asi chitarisai zvotoitirwa nanaMwonzora’’ akadaro mudzimai asina kuda kudomwa nezita.
Bato reMDC-T iro riri kutungamirwa naDouglas Mwonzora riri kuenderera mberi richidzinga nhengo idzo dzinonzi dzinotsigira Nelson Chamisa webato reMDC Alliance mumaguta ose.
Kubva kushaika kwakaita vaimbove mutungamiri wekutanga webato reMDC muZimbabwe vaMorgan Tsvangirai nhengo dzebato iri dzasara dzoita semakwayi asina mufudzi





Mhinduro (0)