Jekeso

Mutungamiri wenyika vanosarudza mutungamiri mutsva weZNA

Mutungamiri wenyika vanosarudza mutungamiri mutsva weZNA
Lt Gen Sigauke

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa vakasimudzira lieutenant General David Sigauke kuti vave mutungamiri mutsva wemauto eZimbabwe National Army kutanga musi wa 30 Chikunguru 2021.

Izvi zvinotevera kushaya kwa Lieutenant General Edzai Chimonyo mwedzi wapera.

Brigadier General Emmanuel Matatu navo vakasimudzirwa kuve Major General.

Vachigamuchidza nyembe kune vakasimudzirwa ava nezuro, gurukota rinoona nezve kudzivirirwa kwenyika nenyaya dzinechokuita nevaive varwi vehondo Oppah Muchinguri – Kashiri vakati musimudzirwa uku mucherechedzo vekuvimbika ,kushanda nesimba nekungwarira.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau