Jekeso

Zimbabwe ino simbisa kutengwa kwemishonga yekubaya nhomba

Zimbabwe ino simbisa kutengwa kwemishonga yekubaya nhomba
Mishonga yokubaya nhomba inogamuchirwa

Zimbabwe yakagamuchira mishonga yekubaya nhomba werudzi rweSINOVAC kubva kunyika yeChina nezuro 25 Chikunguru 2021.

Mishonga iyi inosvika mirioni rimwe chete iri kutarisirwa kuti ichazobatsira zvikuru ,apo nyika iri kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Mushure mekusvika kwemishonga iyi gurukota rinoona nezvemari vaMthuli Ncube vakataurira vatori venhau kuti Zimbabwe yakabhadhara $92 million yemishonga $12million kubva kunyika yeChina uye neCOVAX kubva muhurongwa hweUnited Nations hwekugovera mishonga yokubaya nhomba.

Pari zvino Zimbabwe ine vanhu vanosvika 1.4 Mirioni vakabayiwa chikamu chekutanga chejekiseni renhomba uye vanhu vanosvika 680 000 vakabayiwa jekiseni rechipiri kubvira pakatanga chirongwa ichi muna Kukadzi gore rino.

Ndufu dzakonzerwa nechirwere ichi dzavekunavira kusvika pazviuru zvitatu nezana.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau