Vazhinji mumaguta vorarama nekudya tsvaratsvata dzehuku idzo dzine mutengo wakaderera.MuZvitoro zvikuru kuguta rekwekwe kunonzi usavi uhu hausi kumira sezvo vazhinji vomhanyidzana kuhutenga.
Kuoma kwehupenyu komanikidzira kuti vazhinji vatsvage zvakachipa kuitira kuti mari shoma yavanenge vanayo vagokwanisa kutenga zvimwe zvakakosha zvinodiwa pamusha.
Chirwere cheCovid-19 chasiya vazhinji vachinonga svosve nomuromo sezvo makambani mazhinji akavhara zvakasiyawo vamwe vasina mabasa
Usavi ndiro dambudziko guru.
‘’tinotenda Ishe kuti gore rino nyika yakawana goho rechibage chakawanda zvichireva kuti upfu harisi dambudziko,usavi ndihwo hotinetsa.’’ Vakadaro amai Sithole
Pakiti retsvaratsvata dzehuku rinoita $1.50 asi nyama inotangira pa$3.00 zvichienda mberi.Muriwo we Cabbage nemukaka ndezvimwe zviri kufamba zvikuru sezvo zviine mutengo wakaderera.





Mhinduro (0)