Jekeso

Vari mune zvekudzivirirwa kwenyika vazhinji vakabaiwa nhomba

Vari mune zvekudzivirirwa kwenyika vazhinji vakabaiwa nhomba
Gurukota Oppah Muchinguri Kashiri

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika vanoremekedzwa muzvare Oppah Muchinguri Kashiri vazivisa kuti chikamu chinosvika makumi mapfumbamwe kubva muzana chevari mune zvekudzivirirwa kwenyika vakabayiwa nhomba kudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vataura mashoko aya nhasi apo gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika vaKazembe Kazembe vanga vachitaura nevatori venhau muguta reHarare maererano nokusimbisa nhanho nokukurudzira veruzhinji vatevedze mitemo ine chokuita nokudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau