Jekeso

Akupa yambiro yeCovid-19 ndewako

Akupa yambiro  yeCovid-19 ndewako

K ana voruzhinji vakasasandura hunhu hwavo vanogona kupinda mutsekwende. Mushure mokunge hurumende yatora danho rokuti vanhu vagare kudzimba nechinangwa chokudzivirira kutaukira kwechirwere cheCovid 19 vamwe vakazvitora sedambe. Danho rokuti vanhu vagare kudzimba dzavo harisati ramboitika kubva nyika ichiwana kuzvitonga,kakave kokutanga. Chirwere icho chakatangira kumabuda zuva chasiya zviuru nezviuru zvavanhu vafa uye vamwe vachirwara. Mudunhu remuAfrica hachina kunyatsorova kana tichienzanisa nekunemamwe matunhu pasi rose.MuZimbabwe vanhu vanosvika vashanu ndivo varasikirwa nehupenyu uye vanodarika makumi matatu vakabatwa nechirwere ichi.

Chikonzero sei vanhu vachigara kudzimba ndechokuti varege kuramba vachisangana nokuti zvinokwiridzira mikana yokutapurirana. Asi kumisha inogara voruzhinji mumaguta vakavhara nzeve nezvimiti.KuMbizo neAmaveni vanhu vaingoshanyirana semazuva ose. Kunyange hazvo vanhu vachipa zvikonzero zvakatsaukana ,asi akuyambira ndewako.Tsika yokusateerera yambiro inogona kuti pinza muna taisareva.Chirwere ichi chakadengendesa nyika dzine zvipatara nanachiremba uye nemishonga yakakwana, kuzoiti isu hedu tinei? Akuruma nzeve ndewako ngatitevedzere zvatinenge taudzwa nekuti zvinotibatsira. Wenyu

Mwana wevhu

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau