Kuwedzera kuri kuita vari kubatwa neCovid -19 kuno kutaridzira kuti chirwere ichi chapfunya rusero munyika.
Kana hurumende ikasanyatsotora matanho ane uchenjeri vazhinji vanogona kurasikirwa neupenyu.
Matambudziko ari kusanganikwa nawo nevazhinji panguva ino anosanganisira kuti,kana mhuri ichinge yabatwa nechirwere ichi inokurudzirwa kuti vasachasangana nevamwe.
Kushaikwa kwerubatsiro rwemishonga kana zvokudya ,ndizvo zvinozokonzera kuti pave nevamwe vanozopedzisira vatyora murairo uyu ,voenda kunopambara zvokudya kana mari yokutenga mishonga.
Hurumende ino kurudzirwa kuti ipe rubatsiro rwezvokudya kumhuri dzinenge dzabatwa neCovid-19 kuitira kuti dzigare panzvimbo imwe.
Chibage chizhinji icho chakawanikwa mwaka uno ,dai chabatsiridza kuti vazhinji vawane zvokudya .
Musi wa 28 Chikumi 2021 vanhu mazana masere nemakumi mana nevaviri vakabatwa neCovid-19 munyika yose ,uye gumi nevatatu vakafa nechirwere ichi.
Ichokwadi kuti zvakakosha voruzhinji vacherechedze nzira dzose dzokuzvidzivirira nadzo kusanganisira kubayiwa nhomba sezvo zvichideredza kutapukira nekupararira kwedenda iri.





Mhinduro (0)