Jekeso

Zvitoro zvomanikidzwa kuvhara muguta reKwekwe

Zvitoro zvomanikidzwa kuvhara muguta reKwekwe
Kuvharwa kwezvitoro muguta reKwekwe

Vezvitoro mangwanani anhasi vamanikidzwa kuvhara zvitoro zvavo nemapurisa nemauto, vakanzi vadzokere kudzimba dzavo.

Hazvina kujeka kuti sei patorwa danho iri kunyange hazvo paine kufungira kuti inyaya yechirwere cheCovid-19 yakonzeresa.

Mapurisa anga akavharira migwagwa mikuru yose inopinda mudhorobha ,vachidzorera vazhinji kumisha yavo.

Zvitoro zvikuru zvino tengesa zvokudya ,mishonga nemabhanga ndizvo chete zvisina kuvharwa.

Dunhu reKwekwe riri paLockdown zvichitevera kukwirira kwe uwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau