Jekeso

Gamba renyika Baba Emmanuel Ribeiro vakaradzikwa

Gamba renyika Baba Emmanuel Ribeiro vakaradzikwa

Mushakabvu Baba Emmanuel Ribeiro(86) avo vakaitwa gamba renyika vakaradzikwa nezuro kumarinda eNational Heroes Acre.

VaRibeiro vakapiwa ruremekedzo urwu zvichitevera mabasa makuru ava kabata munguva yehondo yerusununguko uyewo mushure mokunge nyika yawana kuzvitonga.

Mumashoko avo enyaradzo mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakatsanangura kushaya kwavaRibeiro sokurasikirwa kukuru.

‘’ nhasi ndino chema kufa kwavo semumwe akanunurwa kubva mumukanwa wamupere,izvo zvinoita kuti kushaya kwavo ndive nokurwadziwa kukuru’’ vakadaro vaMnangagwa.

Vaive baba vezvemweya nomurwi wehondo.

‘’Vakange vari mubatsiri wangu ,pane zvemweya panguva yataive kuchikoro kuSt Mary’s kuWedza.Pamusoro pezvose akange ari murwi wehondo pache zvake.’’ Vakadaro mutevedzeri wemutungamiri wenyika vaCostantine Chiwenga Mushakabvu yaive shamwari yevasungwa.

‘’yakange iri shamwari yevasungwa vezvematongerwo enyika, uye ndivo vakabatsira vaimbova mutungamiri wenyika vaRobert Gabriel Mugabe navaEdger Tekere kuti vayambuke vaende kuMozambique’’ vakadaro vaPatrick Chinamasa.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau