Jekeso

Musadhurirwe nemvura zvitengereyi maMeter - Makombe

Musadhurirwe nemvura zvitengereyi maMeter - Makombe
Mahofisi ekanzuru yeGweru

Voruzhinji vanokurudzirwa kuti vaone kuti ma meter avo emvura anoshanda zvakanaka kuitira kuti vasabhadhariswe mari zhinji nemakanzuru.

Mayor veguta reGweru vaJosiah Makombe vakataura mashoko aya muhurukuro yavakaita nevatori venhau mu boka reKwekwe Press club mauro adarika.

Vakatsinhidzira kuti kanzuru yeGweru yakabuda nechisungo chokuti vagari vanogona kutenga maMeter aya kanzuru yozovadzorera mari yavakatenga nayo.

‘’munhu ngaende anotenga meter yake ,maspecifications ano mapiwa kukanzuru uye meter yacho haifaniri kudarika madhora makumi mashanu eku America ($50USD), wouya tokuisira mahara mari yacho toyiisa muaccount yako’’

‘’Zvokuti kana wanga une chikwereti tinobva tango chibvisawo ipapo ,asi kana usina chikwereti paunozoda kubhadhara mari yako inenge yagara irimo’’vakadaro vaMakombe.

Vazhinji vari kuchema nokuda kwekuti mari dzavarikubhadhariswa mvura hadzienderani nemvura yavanenge vashandisa ,sezvo nguva zhinji kune dzimwe nzvimbo mvura isingabidi mupombi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau