Jekeso

Ndezvipi zvichaitika kuvanhu zvichikonzerwa nekusanduka kwekunze?

Ndezvipi zvichaitika kuvanhu zvichikonzerwa nekusanduka kwekunze?

kuwedzera kupisakwekunze K uwedzera kupisa kwekunze kuchakanganisa utano hwevanhu.Chirwere chamarariya chichawedzera sezvo nhunga dzinotakura chirwere ichi (idzo dzinorarama kunzvimbo dzinopisa) dzichizowedzera kuwanda nekuzopararira dzichienda kune dzimwe nzvimbo.Kusvika mugore ra 2050,nzvimbo dzose dzemuZimbabwe dzinogona kunge dzava kudhererwa nechirwere chemarariya kusiya kwe Eastern Highlands. Kupisa kwekunze kuchawedzera udyi nezvirwere zvezvirimwa nezvipfuwo nokuderedzawo chikafu chezvirimwa muvhu.Izvi zvinogona kumanikidza varimi kuti vashandise mishonga inodhura yekupedza nayo zvirwere nemafotereza. Kupisa zvakanyanyisa kwekunze kunowedzera njodzi yemoto yesango inogona kuparadza misha , minda yezvirimwa,mafuro ezvipfuywo nemasango pamwe chete nokuwedzera gukuravhu.

mapoka evanhu vasingakwanisi kuzvibatsira akaita seevana vadiki,vanhu vanorwara nevakwegura anogona kukanganiswa zvakanyanyisa nekupisa kwekunze nekushanduka kwemwaka.Vanhu vari mumapoka aya vanogona kufa kana vakasachengetedzwa. Kuwedzera kupisa kwekunze kuchaderedza nzvimbo dzicharimika zvirimwa nekupfuya zvipfuwo.Chibage mapfunde zvinonyanyokanganiswa nekupisa kwekunze pane zvinoitika kana mvura ikasanaya,saka zvinogona kufanira kuti varimi varime rukweza kana kupfuya zvipfuwo mune dzimwe nzvimbo. Mhando zhinji dzezvipfuwo hadzikwanisi kurarama kana kunze kuchipisa nokudaro kune dzimwe nzvimbo varimi vanogona kupfuya mbudzi kana kuti mhuka dzesango.Izvi zvinogona kuderedza chikafu chinorimwa muZimbabwe,zvichiita kuti tiwedzer kurarama nechikafu chinotengwa kune dzimwe nyika. Mitengo yechikafu muZimbabwe ichakanganiswa nekushanduka kwemwaka munyika dzepasi rose.Semuenzaniso,kusanaya kwemvura kuChina kunogona kuparadza chirimwa chavo chemupunga izvo zvinokanganisa mitengo yemupunga unotengeswa kune dzimwe nyika.

kuparadzwa kwezvirimwa kunokonzerwa nemafashamu emvura kuCanada kunogona kukanganisa mitengo yegorosi,izvo zvinoita kuti mutengo wechingwa ukwire muZimbabwe. Kuderera kwemvura Kuderera kwemvura yekunaya kuchakonzera kuderera kwemvura inowanikwa pasi pwvhu neinowanikwa mumadhamu nenzizi,nokudaro mvura yekushandisa pamba,kurimisa,mumakambani anogadzira zvinhu,mumigodhi yezvicherwa nemumabasa okushambadza nyika nenzvimbo inobva mumatsime,zvibhorani,nzizi nemumadhamhu ichava shoma. Kuderera kweuwandu hwemvura mudhamu reKariba nemune mamwewo madhamu nenzizi kunogona kukanganisa kugadzirwa kwemagetsi.Unaku hwemvura yekupfuya hove,kurima nekushandisa pamba huchaderera kuburikidza nokuderera kwemvura yekunaya. kuwana mvura yakachena yekubikisa nekuwachisa rinogona kuva dambudziko,izvo zvinozokonzera kuwanda kwezvirwere zvakaita semudumbu. (Kubva mubhuku :Mibvunzo ino wanzobvunzwa maererano nekushanduka kwemwaka muZimbabwe-Anna Brazier).

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau