Itel yotanda sorunyemba , nhasi yavhura chitoro chitsva paRedcliff Turn off , vechidiki munzvimbo iyi vowaniswa mikana yokupinda mabasa.
Kambani iyi inotengesa nharembozha dzemhando yepamusoro ine zvitoro zvakati fararira muguta reKwekwe ,yonanavira kupinda muRedcliff.
Nhasi yazarura chitoro pagaraji remafuta reRockodox iro richangobva kuvakwa.Zvitoro zviri panzvimbo iyi zviri kutaridzira budiriro yakajeka inga ngovepo ,uyewo kukwezva vamwe vemabhizimusi .
Mutauriri wekambani yeItel anoti vane hurongwa hwekuvhura zvimwe zvitoro zvizhinji uye vakawanda vachawaniswa mabasa.
‘’zvitoro zve itel hazvisi kumira ,uye tinotarisira kuti kuwanda kwazvo kuwanisawo vechidiki vagere munharainda idzi mikana yokuwana mabasa’’
‘’Chiitiko chanhasi ibudiriro yakanaka munzvimbo yeRedcliff uyewo vechidiki vanogara munzvimbo ino vanowaniswawo mabasa’’ vakadaro vaParadza Paradza.
Guta reRedcliff riri kutatarika kubva zvakavhara kambani huru yeZiscosteel ,kunyange hazvo paine zvitaridziro zvizhinji zviripo kuti guta iri rinogona kukwidza zvikuru muzvirongwa zvebudiriro.





Mhinduro (0)