Jekeso

Dambudziko rokushaya mari rorerutswa

Dambudziko rokushaya mari rorerutswa

B hanga guru renyika rakaparura mari itsva yepepa yema dhora gumi uye yemadhora makumi maviri yakabatana.Danho riri kutarisirwa kurerutsa dambudziko rokushaikwa kwemari . Mumashoko akaturwa nebhanga iri ,mari yepepa yemadhora gumi inotanga kushanda musi wa 19 Chivabvu 2020 ,uyewo mari yepepa yemadhora makumi maviri ichazenge ichitanga kushanda pasvondo rokutanga rachikumi 2020. Bhanga guru rakazivisawo kukwidzwa kwemari inotorwa mubhangi kubva pamadhora mazana matatu $300.00 kuenda pamadhora chiuru chimwe chete $1000.00 pamunhu kubva musi wa 19 Chivabvu 2020. Danho iri ragamuchirwa neve ruzhinji nemiono yakatsvaukana .Vamwe vachiti kurovera hoko padehwe retsindi ,vamwe vanoti wo idanho rakanaka sezvo zvichibatsira kuti mari iwanikwe mumabhanga.

‘’dambudziko harisi kushaikwa kwemari kwete asi kuti inyaya yokuti upfumi hwedu hahusi kufamba mushe.Kana makambani akavhara akatanga kushanda uye nyika ikatanga kugadzira zvigadzirwa ichitengesa kune dzimwe nyika ,mari yemuno inowana simba’’ ‘’maonero angu kuti kuramba pachiunzwa mari itsva ndizvo zvimwe zvinoto konzeresa inflation, mirai muone mushure memasvondo mashoma ari kutevera kuti mari yedu inenge yave papi’’ akadaro Steven Moyo muzvina bhizimusi kuZhombe. Nyaya dzeuwori ndiro chimhinga mupinyi chikuru.

‘‘igaro ziva kuti mari itsva kana ichangobuda kudai inowanikwa nevanhu vashoma ,uye inouya yakananga kumusika mutema.’’ ‘‘kunyange hazvo mari iyi yakanzi inotanga kupiwa musi wa 19 ,banga redu rakatipa mari yakare yakasakara.Izvi zvakaita kuti vamwe vedu vasarudze kuidzosera zvakare mubhanga’’akadaro mudzimai asina kuda kuzivikanwa zita rake ‘‘ipapa ndipo panotangira huori,mari yakabvaruka haifanirwi kudzoswa kuvanhu zvakare’’akadaro mudzimai uyu. Asi vamwe vari kupembedza bhanga guru nokutora danho rakanaka nokuunza mari itsva. ‘’tinofara kuti mari yekutora mubhangi yakwidzwa kusvika pa$1000.00.Isu vamwe tinoshandira kuno kumaruwa ,zvimwe zvitoro hazvina ma swipe machine.Tinotarisira kuti kana uchinge watambira iwane imwe mari yaunosara nayo muhomwe kuyitira kutenga zvimwe zvinhu zvidiki zvausingagoni kufambira kudhorobha’’vakadaro muzvare Mirriam Ndlovu mugari wekuMelsonia nzvimbo yakagariswa vanhu patsva pedyo neguta reKwekwe.

Bhanga guru ndaritore matanho akasimba kuitira kuti pasave navamwe vanoshonyorora mukana wekuuya kwemari itsva. ‘‘kune vamwe vanhu vanoda kutora mikana yokuti ivo vawane mari zhinji nenzira dzakaipa.Nguva yapfuura takaona mari itswa dzichiendeswa pamusika mutema’’ ‘‘bhanga guru rinofanira kuisa matanho akaomarara zvikuru kune vemabhanga vanoburitsa mari vachiendesa kumusika mutema’’akadaro loveness Nyoni. vezvitoro zvikuru vanofanirwa kuongororwa mashandiro avo sezvo vamwe bvacho vasingachaendesi mari kubhangi.

‘‘Dambudziko rokushaikwa kwemari rinokonzerawo nokusafambisa basa kwakanaka kunoitwa nevamwe vemabhizimusi nyanye vezvitoro zvikuru’’ ‘‘kana mari isingaendeswi kubhanga zvinoreva kuti ichagara ichishaikwa nguva dzose.Zvitoro zvikuru ngazvive netsika yokubhenga mari kwete zvokuendesa mari amusika mitema.’’akadaro Stella Machona. Hurumende inokurudzirwa kuti ivambe zvirongwa zvakasimba zvinechokuita nekusimudzira hupfumi hwenyika.Kusimudzira mabasa okurima ndeimwe nzvira inoita kuti pasave nemari yakawanda inoshandiswa kutenga zvokudya kubva kunedzimwe nyika.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau