Ange ari mavhu nemarara pakuonekana nemushakabvu Shelton Chiduku(42) mumusha weAmaveni muKwekwe nhasi ,zvisinei hazvo nekuvepo kwechirwere cheCovid-19.
Mazana evanhu vaungana kuzopa ruremekedzo rwekupedzisira
Chiduku uyo ayi zivikanwa nezita remadunhurirwa rokuti ‘Shellaz’ ndeumwe wevakapfurwa nepfuti mukusawirirana kwakaitika paBensam Flats mudhorobha reGweru.
Mushakabvu aradzikwa kumarinda eAmaveni.
Peter Dube (35) uyo ari kutsvagwa nemapurisa akapfurawo akauraya Gamuchirai Mudungwe (30).
Nyasha (31) na Nyaradzo (34) Nharingo vakapfurwa vakakuvara zvakaipisisa uyewo vachiri muchipatara.
Voruzhinji vari kushoropodza chiitiko ichi ,vachiti magakava kana kusavimbana hazvifaniri kukonzera kuti vanhu vaurayane.





Mhinduro (0)