Mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kutsvaga Peter Dube(35) uyo akatiza mushure mokupfura vanhu vana svondo rapera mudhorobha reGweru.
Kupfura uko kwakaitika pa 11 Bensam Flat main street ,Dube akapfura akauraya vanhu vaviri pakarepo , vamwe vakaendeswa kuchipatara uko kwavari kurapwa
Mhirizhonga iyi inonzi yakakonzereswa nekufungira kusavimbika/p>
Dube anozivikanwa semuzvinabhizimusi ayi tengesa motokari muguta iri.
Mapurisa anokurudzira kuti vanhu vataurirane mune zvakanaka kwete kuita mhirizhonga kana kuurayana.





Mhinduro (0)