Jekeso

KuZhombe voita muonera pamwe kugadzira migwagwa

KuZhombe voita muonera pamwe kugadzira migwagwa
Kugadzirwa kwemugwagwa paJoel growth Point kuZhombe

Vagari vepaJoel Business Centre kuZhombe mudunhu reKwekwe vakabatana nekanzuru yeZibagwe neDistrict Development Fund voita muonera pamwe mukugadzirisa migwagwa yavo.

Mvura zhinji yakanaya yakawondonga migwagwa zvakakonzera kuti isafambike.

Mumwe wevagari vakazvipira muchirongwa chokugadzira migwagwa yepaJoel Business Centre anoti iye chimiro chemigwagwa changa chaipa,uye zvovhiringa kufamba nokutakurwa kwezvinhu.

‘’ichi chirongwa chakaitwa nenharaunda ,ichibatsirana neZibagwe Rural District Council neveDistrict Development Fund.’’

‘’Vagari vepaJoel ne vanamuzvina bhizimusi vakaita mudeme mudeme kuunganidza mari yokutenga mafuta edhiziri anozvika 1000litres.

Muzvina bhizimusi weManex Investment akabvisa madhora mazana matatu nemakumi mapfumbamwe emari yokuAmerika ($390Usd) kuitira kuti chirongwa ichi chitangise uyewo hurongwa hwokupemha mari kusanganisira kugeza motokari zvakaburitsa imwe mari kufambisa basa iri’’ vakadaro vaBecare Ndebele.

Vanotungamira kanzuru yeZibagwe vaFarayi Machaya vakatsinhidzira chirongwa ichi vakati ivo ndiwo mashandiro avagara vachiita mumatunhu ari pasi pekanzuru yavo.

‘’Aya ndiwo mashandiro atagara tichingoita nemastakeholders edu zvisiri zvemigwagwa chete ,asi mamwewo maprojects edu akasiyana siyana ,kungava kuvakwa kwezvikoro nemakirinika tichishandisa mari dzema Devolution Funds’’

‘’Nharaunda yakabatsira nemafuta edhiziri ayisvika ku1000litres, tinoshandawo neDDF iyo yakabatsira , isu tikapawo chigiredha.’’

‘’tichadzoka zvakare kumugwagwa uyu tichidira mavhu egravel.’’

‘’Tiri kucherechedza kurudziro yehurumende yokushandidzana pamwe iyo inonzi Public-Private Partnership (PPP) mukuunza budiriro ,uye kuti tikwanise miono yebudiriro yeMutungamiri wenyika kusvika mugore ra2030.’’ Vakadaro vaMachaya.

Migwagwa mizhinji zvikuru mumadhorobha yakakanganiswa nemvura wakawanda yakanaya mwaka uno,izvo zviri kuvhiringa mabasa mazhinji ebudiriro nekutakurwa kwemidziyo yokushandisa

kazhinji migwagwa yakanaka mucherechedzo webudiriro nechimiro chezvoupfumi,nyika dzakabudirira pasi rino dzine migwagwa inoyevedza ,iyo inoita kuti zvigadzirwa zvive nemitengo yakanaka

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau